Magwaro Matsvene
Mosaya 2


Chitsauko 2

Mambo Benjamini vanotaura kuvanhu vavo—Vanotaura nezvekuenzana, nekunaka neumwari mukutonga kwavo—Vanovaraira kuti vashandire Mambo vavo Vokudenga—Avo vanopandukira Mwari vachatambudzika nokurwadziwa semoto usingadzime. Zvingangove makore 124 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika kuti mushure mekunge Mosaya aita sokurairwa kwaakanga aitwa nababa vake, adaidzira munyika yose, kuti vanhu vaungane nyika yose, kuti vaende kutemberi kunonzwa mazwi amambo Benjamini avaizotaura kwavari.

2 Uye pakava nevakawanda zvikuru, vakawandisa zvokuti havana kukwanisa kuvaverenga; nokuti vakanga vaberekana uye vasimba munyika umu.

3 Uye vakatora zvibereko azvokutanga zvematanga avo, kuti vagopira bchibairo cnomupiro wokupisa dmaererano nemutemo waMosesi.

4 Uye zvakare kuti vagopa kutenda kuna Ishe Mwari vavo, avo vakavaunza kubva munyika yeJerusarema, avo vakavaburitsa mumaoko emhandu dzavo, avakasarudza varume vakarurama kuva bvadzidzisi vavo, nomunhu akarurama kuva mambo wavo, uyo ainge adzika runyararo cmunyika yeZarahemura, akadzidzisa kuti dvachengete mirairo yaMwari, kuti vave vanofara nokuzadzwa enorudo kuna Mwari nokuvanhu vose.

5 Uye zvakaitika kuti apo pavakauya kutemberi, vakamisa matende avo akatenderedza, murume wose anemhuri yake, zvichiti mudzimai wake, navanakomana vake, navanasikana vake, navanakomana vavo, navanasikana vavo, kubva kumukuru kusvika kumudiki, mhuri dzose dzimire dzakaparadzana.

6 Uye vakamisa matende avo vakatenderedza temberi, murume wose akamisa musuo awetende wakatarisa kutemberi, kuti varambe vari mumatende vachinzwa mazwi amambo Benjamini kana vachinge votaura kwavari;

7 Nokuda kwokuti gungano rakanga rakakura zvokuti mambo Benjamini havaikwanisa kuvadzidzisa vose vari mukati metemberi, naizvozvo vakaita kuti pavakwe shongwe refu, kuti vanhu vavo vanzwe mazwi avaizotaura kwavari.

8 Uye zvakaitika kuti vakatangisa kutaura kuvanhu vavo vari pashongwe; havana kukwanisa kunzwa mazwi avo ose nokuda kwokuwanda kwavanhu; nokudaro vakaita kuti mazwi avo ayo avaitaura anyorwe achitumirwa kune avo vakange vasingavanzwe, kuti vaagamuchirewo.

9 Uye aya ndiwo mazwi aavakataura vakaita kuti anyorwe, vachiti: Hama dzangu, imi mose maungana pamwechete, imi mose munokwanisa kunzwa mazwi andichataura kwamuri nhasi; nokuti handina kukurairai kuti muuye pano bkuzotamba nemazwi andichataura kwamuri, asi kuti munofanira ckuteereresa kwandiri, uye muzarure nzeve dzenyu kuti munzwe, dnemwoyo yenyu kuti munzwisise, enepfungwa dzenyu kuti fzvakavanzika zvaMwari zvipfudzunurwe mumaziso enyu.

10 Handina kukurairai kuti muuye kuno kuti amunditye, kana kuti mufunge kuti ini ndakasiyana navanhu vanofa.

11 Asi ndakafanana nemi, nokuva ndinobatwa nezvirwere zvakasiyana mumuviri nomupfungwa; asi ndakasarudzwa navanhu vano, ndikaropafadzwa nababa vangu, uye ndikabvumirwa noruoko rwaIshe kuti ndive mutongi namambo pamusoro pavanhu ava; ndikachengetedzwa nesimba ravo risina anaro, kuti ndikushandirei, nekugwinya, nepfungwa nesimba zvose izvo Ishe zvavakapa kwandiri.

12 Ndinoti kwamuri sezvo ndakabvumirwa kuti ndipedze mazuva angu panyika ndichishandira imi, kana kusvika panguva ino, uye handina kutsvaga agoridhe kana sirivha kana umwewo upfumi zvahwo kubva kwamuri;

13 Handina kuda kana kuti mugare mumakomba, kana kuti muitane varanda, kana kuti muponde, kana kuparadza, kana mube, kana kuita upombwe; kana kuda kuti mutadze neimwewo nzira, uye ndikakudzidzisai kuti muchengete mirairo yaIshe, muzvinhu zvose zvavakakurairai—

14 Uye kunyange neni, pachangu, andakashanda namaoko angu kuti ndikushandirei, kuti musava munoremedzwa nemitero, uye kuti kusauye chimwe chinhu chinorwadza kutakura kwamuri—pazvinhu zvose izvi zvandataura, imimi pachenyu muri vapupuri pazuva ranhasi.

15 Asi hama dzangu, handina kuita zvinhu izvi kuti ndizvikudze, kana kuti ndataura zvinhu izvi kuti ndikupei mhosva; asi ndinokutaurirai zvinhu izvi kuti muone kuti ndinokwanisa kupindura andisingatye pamberi paMwari pazuva ranhasi.

16 Tarisai, ndinoti kwamuri nokuti ndamboti kwamuri ndakapedza mazuva angu ndichikushandirai, handizi kuzvikudza, nokuti ndanga ndingori mukushandira Mwari.

17 Uye tarisai, ndinokuudzai zvinhu izvi kuti mudzidze aungwaru; kuti mudzidze kuti kana muri bmukushandira cvamwe venyu munenge muri mukushandira Mwari wenyu.

18 Tarisai, munondidaidza kuti mambo venyu; zvino kana ini, amunodaidza kuti mambo venyu, andichikushandirai, hamufanire here imi kushandirana mumwe nemumwe?

19 Uye tarisai zvakare, kana ini, wamunodaidza kuti mambo venyu, avo vapedza mazuva avo vari mukushandira imi, asi kwanga kuri kushandira Mwari, ndichifanira kutendwa nemi, ko Mambo venyu wokudenga munofanira akumutenda zvakadii!

20 Ndinoti kwamuri, hama dzangu, kuti mukapa kutenda kose anokurumbidza nesimba rinogona kuve mumweya wenyu, kuna bMwari avo vakakusikai, vakakuchengetai nokukuchengetedzai, vakaita kuti mufare, vakakubvumirai kuti mugare nerunyararo pakati penyu—

21 Ndinoti kwamuri kuti kana mukashandira ivo vakakusikai kubva pakutanga, nokukuchengetedzai zuva nezuva, nokukuposhai kufema, kuti murarame nokufamba nokuita akuda kwenyu, kana nokukusimbisai kubva pane ino nguva kuenda pane imwe—ndinoti, kana mukavashandira nemweya yenyu yose asi muchingove varanda bvasina rupundutso.

22 Uye tarisai, zvavanoda chete kwamuri akuchengeta bmirairo yavo; vakakuvimbisai kuti mukachengeta mirairo yavo muchabudirira munyika; uye chavapinduke pane zvavanenge vataura; naizvozvo, dmukachengeta mirairo yavo muchakomborerwa uye muchabudirira.

23 Uye zvino, chinhu chokutanga, vakakusikai, vakakupai upenyu hwenyu, uhwo hunova chikwereti chamuinacho kwavari.

24 Uye chechipiri, vanoda kuti imi muite sokuraira kwavakakuitai; nokuti mukaita, avanokukomborerai ipapo; naizvozvo vanenge vakuripai. Asi imi muchine chikwereti kwavari, uye muchiri, uye muchave, nacho narinhi narinhi; naizvozvo, muneiko chamungazvikudzire?

25 Uye zvino ndinobvunza, pane kana chamungazvireverere nacho here? Ndinokupindurai, Kwete. Hamungati makaenzana kana neguruva renyika; asi amakasikwa bneguruva renyika, asi tarisai, nderevaridzi vakakusikai.

26 Uye ini, kunyange ini, wamunodaidza kuti mambo venyu, handisi nani kupfuura imimi; nokuti ndiri weguruvawo. Uye munoona kuti ndakura, ndava pedyo nokusiira muviri kuna mai vawo ivhu.

27 Naizvozvo, sekutaura kwandamboita kwamuri, kuti ndakakushandirai, andichifamba ndisina chandinotya pamberi paMwari, kunyange ini panguva ino ndaita kuti muungane pamwechete mose, kuti ndionekwe ndisina mhaka, uye kuti bropa renyu risauya pamusoro pangu, apo ndichamira kuti nditongwe naMwari pazvinhu izvo zvandakarairwa pamusana penyu.

28 Ndinoti kwamuri ndaita kuti muungane pamwechete kuti andibvise ropa renyu panguwo dzangu, panguva ino ndava pedyo nokuenda muguva, kuti ndiende norunyararo, bmweya wangu usingafi ugobatana cnevaimbi kumusoro mukuimba kupembedza Mwari vakarurama.

29 Uye zvakare, ndinoti kwamuri ndaita kuti muungane pamwechete, kuti ndikutaurirei kuti handichakwanisa kuramba ndiri mudzidzisi venyu, kana mambo venyu;

30 Nokuti kunyange izvozvi, muviri wangu uri kubvunda zvikuru apo ndiri kuedza kutaura kwamuri; asi Ishe Mwari vanondisimbisa, uye vanditendera kuti nditaure kwamuri, vandiraira kuti nditaure kwamuri pazuva ranhasi, kuti mwanakomana wangu Mosaya ndimambo nomutongi pamusoro penyu.

31 Uye zvino, hama dzangu, ndinoti muite sezvamanga muchiita. Sezvo makachengeta mirairo yangu, uye zvakare nemirairo yababa vangu, mukabudirira, mukachengetwa kuti musawire mumaoko emhandu dzenyu, naizvozvo mukachengeta mirairo yomwanakomana wangu, kana kuti mirairo yaMwari iyo ichapiwa kwamuri naye, muchabudirira munyika, uye mhandu dzenyu dzichashaya simba pamusoro penyu.

32 Asi, hama dzangu, chenjerai kuti pangangova anokupesana pakati penyu, motsvaka kuteerera mweya wakaipa, uyo wakataurwa nababa vangu Mosaya.

33 Nokuti tarisai, kune nhamo yakataurwa kune uyo anosarudza kuteerera kumweya uyu; nokuti kana akasarudza kuteerera, akagara nokufira muzvivi zvake, munhu iyeye anozvinwira akuraswa kumweya wake; nokuti achagamuchira somubairo wokutadza kwake kurangwa bkusingaperi, nenzira yokutyora mutemo waMwari zvisingapidirane noruzivo rwake pachake.

34 Ndinoti kwamuri, hakuna vamwe pakati penyu, kunze kwokunge vari vana vaduku venyu vasina kumbodzidziswa pamusoro pezvinhu izvi, asi vanoziva kuti mune mungava kunaBaba vekudenga nekusungaperi, mumupe zvose zvamuinazvo nezvamuri; uye makadzidziswawo pamusoro pezvinyorwa izvo zvine zviporofita zvakataurwa namaporofita vatsvene, kana kusvika panguva iyo baba vedu, Rihai, vakasiya Jerusarema;

35 Uye zvakare, nezvose zvakataurwa namadzibaba edu kusvikira iye zvino. Uye tarisai, zvakare, vaitaura izvo zvavairairwa naIshe; naizvozvo, vakarurama uye vari pachokwadi.

36 Uye zvino, ndinoti kwamuri, hama dzangu, kuti shure kwokunge maziva nokudzidziswa zvinhu zvose izvi, mukatadza nokuita zvinhu zvinopikisa izvi zvakataurwa, kuti munenge muchizvibvisa kuMweya waIshe, kuti usave nenzvimbo mamuri kuti ukutungamirirei munzira youngwaru kuti mukomborerwe, mubudirire nokuchengetedzwa—

37 Uye ndinoti kwamuri, kuti munhu anoita izvi, mumwechete iyeye achabuda pachena amukupandukira Mwari; naizvozvo anosarudza kuteerera kumweya wakaipa, obva ava mhandu kuzvitsvene zvose; naizvozvo, Ishe haana nzvimbo maari, nokuti haagare mutemberi bdzisiri tsvene.

38 Naizvozvo kana munhu uyu aakasatendeuka, agogara nokufa ari mhandu yaMwari, zvinodiwa bnokutonga kwakarurama zvinomutsa mweya wake usingafe mukuziva cmhosva yake, izvo zvinomuita kuti anyare kuva pamberi paIshe, nokuzadza chipfuva chake nemhosva, nekurwadziwa, nokusuwa kukuru, kunofanana nemoto usingadzime, une rimi rinoramba richikwira narinhi narinhi.

39 Uye zvino ndinoti kwamuri, munhu iyeye haawane atsitsi; naizvozvo kutongwa kwake kwokupedzisira ndokwokurwadziwa kusingaperi.

40 Imi, mose harahwa, nemi mose varume vaduku, nemi vana vaduku munonzwisisa mazwi angu, nokuti ndataura pachena kwamuri kuti imi munzwisise, ndinonamata kuti mumuke amukurangarira zvinhu zvakaipa zvakawira vose vakamutadzira.

41 Uye zvakare, ndinoda kuti mufunge makomborero anorufaro rwe avo vanochengeta mirairo yaMwari. Nokuti tarisai, bvakakomborerwa muzvinhu zvose, zvose munyama napamweya; vakabatirira cpakutenda kwavo kusvikira kwokupedzisira vachagamuchirwa dkudenga, kuti vazova vanogara naMwari mumugariro wemufaro usingaperi. Rangarirai, rangarirai kuti zvinhu izvi ndezvechokwadi; nokuti Ishe Mwari vakazvitaura.