Magwaro Matsvene
Mormoni 6


Chitsauko 6

MaNifai anoungana kunyika yeKumora mukurwa kwokupedzisira—Mormoni anoviga zvinyorwa zvinoera muGomo reKumora—MaRamani anokunda, rudzi rwaNifai rwunoparadzwa—Mazana ezviuru vanouraiwa nemunondo. Zvingangove makore 385 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvino ndinopedza zvinyorwa zvangu maererano anokuparadzwa kwevanhu vangu, maNifai. Uye zvakaitika kuti takafora tichienda kumaRamani.

2 Uye ini, Mormoni, ndakanyora tsamba kuna mambo wamaRamani, ndichimukumbira kuti atibvumire kuti tiunganidze pamwechete vanhu vedu amunyika yeKumora, pedyo negomo rainzi Kumora, kuti tigorwa zvakare.

3 Uye zvakaitika kuti mambo wemaRamani akabvuma zvataida.

4 Uye zvakaitika kuti takafora tichienda kunyika yeKumora, tikamisa matende edu takatenderedza gomo reKumora; rakanga riri munyika yemvura yakawanda, nzizi, nezvisipiti; zve apa ndipo patakatarisira kukunda maRamani.

5 Uye zvino makore mazana matatu namakumi masere namana apfuura, takanga taunganidza vanhu vedu vose vakanga vasara munyika yeKumora.

6 Uye zvakaitika kuti apo takanga taunganidza vanhu vedu munyika yeKumora, tarisai ini Mormoni, ndakatanga kukwegura; uye ndichiziva kuti kwaiva kurwisa kwavanhu vangu kwokupedzisira, somunhu akanga arairwa naIshe kuti ndisabvumire kuti zvinyorwa zvakanga zvapiwa isu namadzibaba edu, izvo zvaiera, kuti zviwire mumaoko emaRamani (nokuti maRamani aizozviparadza) naizvozvo ndakaita chinyorwa aichi kubva kune mahwendefa aNifai, bndikazviviga mugomo reKumora zvinyorwa zvose zvakanga zvapiwa kwandiri noruoko rwaIshe, kunze kwezvinyorwa zvishoma cizvi zvandakapa mwanakomana wangu, dMoronai.

7 Uye zvakaitika kuti vanhu vangu, nevakadzi vavo navana vavo, vakaona amauto emaRamani achifora achiuya kwavari; nokutya kukuru kworufu uko kunozadza zvipfuva zvavakaipa, vakamirira kuti vavagamuchire.

8 Uye zvakaitika kuti vakauya kuti vazotirwisa, zve mweya wose wakazadzwa nokutya nokuda kwokuwanda kwavo.

9 Uye zvakaitika kuti vakawira pavanhu vangu neminondo, nouta, nemiseve, namatemo, nezvombo zvose zvehondo.

10 Uye zvakaitika kuti vanhu vangu vakawisirwa pasi, hongu, kunyange zviuru zvangu gumi izvo zvakange zvineni, ini ndikawira pakati pavo ndakuvadzwa; vakapfuura nepandakanga ndiri asi havana kundipfuudza.

11 Uye apo vakanga vaenda vachiuraya vanhu vangu avose kunze kwavanokwana makumi maviri navana, (pakati pavo pakanga pano mwanakomana wangu Moronai) uye isu takanga tararama pavanhu vedu vakafa, takaona mangwana acho, apo maRamani akanga adzokera kumakamba avo, kubva pamusoro pegomo reKumora, zviuru gumi zvevanhu vangu avo vakanga vaurayiwa vachitungamirirwa neni.

12 Uye zvakare takaona zviuru gumi zvevanhu vangu zvaitungamirwa nomwanakomana wangu Moronai.

13 Uye tarisai, zviuru gumi zviye zvaGidhigidhona zvakanga zvafa, iyewo ari pakati pavo.

14 Uye Rama akanga afa navanhu vake zviuru gumi; Girgari akanga afa nezviuru gumi zvavanhu vake; zve Rimuha akanga afa nezviuru gumi zvevanhu vake; naJenemu akanga afa nezviuru gumi zvavanhu vake; naKumenaiha; naMoronaiha, naAndionumu, naShibhuromu, naShemi, naJoshi, vakanga vafa nezviuru gumi zvemumwe nomumwe wavo.

15 Uye zvakaitika kuti kwakanga kune vamwe gumi vakanga vafa nomunondo, nezviuru gumi zvavo pamunhu; hongu, kunyange avose vanhu vangu, kunze kwavaye makumi maviri namana vakanga vaneni, navashoma vakanga vatizira kunyika dziri kuchamhembe, neavo vashoma vakanga vaenda kumaRamani, vakange vafa; nyama yavo, mapfupa, neropa ravo zvakanga zvakangoti kata-kata nenyika, zvakasiiwa namaoko akavauraya kuti vamweuke vari panyika, kuti vadzokere kuvhuramai vavo.

16 Uye mweya wangu wakarwadziwa zvikuru pamusana, pokuuraiwa kwavanhu vangu, ndikachema:

17 Imi makanaka, ko makagobva sei munzira dzaIshe! Imi makanaka, ko makagoramba seiko iye Jesu, akamira namaoko akatambanudzwa kuti akugamuchirei!

18 Tarisai, dai musina kuita izvi, mungadai musina kupunzika. Asi tarisai, makapunzika, uye ndinochema pamusana pokurasikirwa nemi.

19 Imi makanaka vanakomana navanasikana, imi vana baba navana mai, imi varume namadzimai, imi makanaka, ko zvino makapunzika wani!

20 Asi tarisai, maenda, uye kusuwa kwangu hakungakudzorei.

21 Uye zuva richasvika zvino kuti miviri yenyu inofa itore isingafe, kuti miviri ino iyi iri kuora aisaore; kuti ipapo muzomira pachigaro chokutonga chaKristu, kuti mugotongwa maererano nemabasa enyu; kuti kana muri vatsvene, ipapo muchakomborerwa pamwechete nemadzibaba enyu ayo akaenda pamberi penyu.

22 Dai makanga makatendeuka kuparadzwa kukuru uku kusati kwauya kwamuri. Asi tarisai, maenda, uye Baba, hongu, Baba Vokusingaperi vokudenga, vanoziva zvamuri; uye vanoita kwamuri maererano anekururama kwavo bnetsitsi.