Magwaro Matsvene
Hiramani 6


Chitsauko 6

MaRamani akarurama anoparidzira maNifai ane uipi—Vose vanhu ava vanobudirira munguva yerunyararo nekuguta—Rusifa, munyori wechitema, anoita kuti mwoyo yevakaipa nemakororo aGadhiandoni imuke mukuponda nemuutsinye—Makororo anotora hurumende yemaNifai. Zvingangove makore 29 kusvika ku23 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti pakapera gore rechimakumi matanhatu nemaviri rekutonga kwevatongi, zvose zvinhu izvi zvakanga zvaitika uye maRamani, chikamu chavo chikuru, chakanga chava vanhu vakarurama, zvekuti akururama kwavo kwakapfuura kwemaNifai, pamusana pekusimba kwavo nekutsiga kwavo murutendo rwavo.

2 Nokuti tarisai, kwakange kuine vazhinji vemaNifai vakanga avaoma uye vasingadzoke uye vaine uipi hwakanyanya, zvekuti vakaramba shoko raMwari nekuparidza kwose uye nekuporofita kwaiuya pakati pavo.

3 Zvakadaro, vanhu vechechi vakave nemufaro mukuru pamusana pekupinduka kwemaRamani, hongu, pamusana pechechi yaMwari, yakanga yaiswa mukati mavo. Uye avakashamwaridzana, uye vakafara pamwechete, uye vakaita mufaro mukuru.

4 Uye zvakaitika kuti vazhinji vemaRamani vakauya kunyika yeZarahemura, uye vakataurira vanhu vaNifai tsika ayekutendeuka kwavo, uye vakava kuridzira kuti vave nerutendo nokutendeuka.

5 Hongu, uye vazhinji vavo vakaparidza nesimba guru kwazvo nemvumo, kusvika vazhinji vavo vaburuka kusvika muudzamu hwekupfava, kuti vave vakapfava vateveri vaMwari neGwayana.

6 Uye zvakaitika kuti vazhinji vemaRamani vakaenda vakanopinda munyika yechekuchamhembe; uye kana Nifai naRihai vakaenda vakapindawo amunyika iri kuchamhembe, kunoparidzira vanhu. Uye ndikwo kupera kwakaita gore rechimakumi matanhatu nematatu.

7 Uye tarisai, munyika makanga muine runyararo, zvekuti maNifai aienda kudunhu ripi ravainge vachida, kana dai muri mukati memaNifai kana maRamani.

8 Uye zvakaitika kuti kana maRamani vaikwanisa kuenda kwose kwose zvakwo kwavainge vachida, kana dai pari pakati pemaRamani kana pemaNifai; uye saka vaifambidzana zvakasununguka, kunotenga uye kana kunotengesa, uye kuti vawane, maererano nezvavainge vachida.

9 Uye zvakaitika kuti vakapfuma zvikuru, vose maRamani nemaNifai; uye vakanga vaine goridhe yakawanda zvikuru, nesirivha, nemarudzi akasiyana-siyana ezvinokosha, kwose munyika yekumaodzanyemba nenyika yekuchamhembe.

10 Zvino nyika yekumaodzanyemba yainzi Rihai, uye nyika yekuchamhembe yainzi aMureki, yakanga yakadaidzwa zita remwanakomana waZedekia; nokuti Ishe vakaisa Mureki munyika yekuchamhembe, uye Rihai kunyika yekumaodzanyemba.

11 Uye tarisai, makanga muine goridhe rakasiyana-siyana mose munyika idzi, nesirivha, nematombo anokosha emarudzi ose; uye kwaive nemhizha, dzaikwanisa kushanda simbi dzakasiyana-siyana, uye vaidzigadzira; uye saka vakapfuma.

12 Vakakohwa zvakawanda, kwose kuchamhembe nekumaodzanyemba; uye vakafambira mberi zvikuru, kwose kuchamhembe nekumaodzanyemba. Uye vakawanda uye vakasimba zvikuru munyika. Uye vakakudza matanga mazhinji, hongu, nemhuru zhinji dzekukodza.

13 Tarisai madzimai ayo aishanda zvakasimba uye achiruka, uye aiita machira akasiyana siyana, emachira akarukwa zvinoyevedza nemachira emarudzi akasiyana-siyana, kuti vapfekedze miviri yavo yakanga isina kusimira. Uye saka gore rechimakumi matanhatu nemana rakapfuura murunyararo.

14 Uye mugore rechimakumi matanhatu nemashanu vakanga vainewo rufaro nerunyararo, hongu, kuparidzirwa kwakawanda nehuporofita hwakawanda maererano neicho chakanga chichauya. Uye ndikwo kupfuura kwakaita gore rechimakumi matanhatu nemashanu.

15 Uye zvakaitika kuti mugore rechimakumi matanhatu nematanhatu rekutonga kwevatongi, tarisai, aSizoramu akapondwa nemunhu asina kuzivikanwa agere pachigaro chekutonga. Uye zvakaitika kuti mugore rimwechetero, mwanakomana wake, akanga aiswa nevanhu munzvimbo yake, naiyewo akapondwa. Uye ndiko kupera kwakaita gore rechimakumi matanhatu nematanhatu.

16 Uye mukutanga kwegore rechimakumi matanhatu nemanomwe vanhu vakatanga kukura muuipi zvakare.

17 Nokuti tarisai, Ishe vakanga vavaropafadza kwenguva huru neupfumi hwenyika zvekuti havana kumbomutswa kuti vashatirwe, kana kuita hondo, kana mukudeura ropa; naizvozvo vakatanga kuisa mwoyo yavo paupfumi hwavo; hongu, vakatanga kutsvaka kupunduka kuti vagoiswa pamusoro pevamwe; naizvozvo vakatanga kuponda amuruvande, nekuba nokupamba, kuti vapunduke.

18 Uye zvino tarisai, idzo mhondi nevapambi chaive chikwata chakanga chatangiswa naKishikumeni anaGadhiandoni. Uye zvino zvakaitika kuti vakanga vakawanda, kana nemukati memaNifai, vechikwata chaGadhiandoni. Asi tarisai, vakanga vakanyanya kuwanda mune avo vemaRamani vakanga vakanyanya kuipa. Uye vainzi makororo nemhondi dzaGadhiandoni.

19 Uye vaive ivo vakaponda mutongi mukuru Sizoramu, nemwanakomana wake, ari pachigaro chekutonga; uye tarisai, havana kuwanikwa.

20 Uye zvino zvakaitika kuti maRamani paakawona kuti mukati mavo maive nemakororo vakasuwa zvikuru; uye vakashandisa nzira dzose dzavaikwanisa kuti vaaparadze vabve pamusoro penyika.

21 Asi tarisai, Satani akamutsa mwoyo yevazhinji vemaNifai, zvekuti vakabva vabatana neizvo zvikwata zvemakororo, uye vakapinda muzvibvumirano zvavo nezvitsidzo zvavo, kuti vanozochengetedzana nokudzivirirana kana mumwe akapinda mumatambudziko akaita sei, kuti havafanire kutambudzwa pamusana peumhondi hwavo, nokupamba kwavo, nokuba kwavo.

22 Uye zvakaitika kuti vaive nezviratidzo zvavo, hongu, zviratidzo zvavo azvemuruvande, nemazwi avo akange asingazivikanwe; uye zvaiitirwa kuti vazive hama inenge yakapinda muchibvumirano, kuti kana dai hama yake ikaita zvakaipa sei haafanire kukuvadzwa nehama yake, kana neavo vari vechikwata chake, vakaitawo chibvumirano ichi.

23 Uye saka vaikwanisa kuponda, nokupamba, uye vabe, uye vaite upombwe netsika dzose dzakaipa, dzisiri mumutemo wenyika yavo nemitemowo yaMwari vavo.

24 Uye ani zvake wechikwata chavo anotaurira nyika anezvekuipa neruvengo rwavo nekutadza kwavo, anotongwa, kwete maererano nemitemo yenyika yavo, asi maererano nemitemo yeuipi hwavo, yakanga yaitwa naGadhiandoni naKishikumeni.

25 Zvino tarisai, ndizvo zvibvumirano anezvitsidzo zvemuruvande zvakanzi naAruma achiudza mwanakomana wake kuti hazvifanire kuenda munyika, nokuti ingangove nzira yekuunza vanhu mukuparadzwa.

26 Zvino tarisai, izvo zvitsidzo nezvibvumirano azvemuruvande hazvina kuuya kuna Gadhiandoni zvichibva muzvinyorwa zvakapiwa kuna Hiramani; asi tarisai, zvakaiswa mumwoyo maGadhiandoni nemunhu bmumwecheteyo akafurira vabereki vedu vekutanga kuti vadye muchero wairambidzwa—

27 Hongu, uye munhu mumwecheteyo akarangana anaKaini, kuti kana akaponda munin’ina wake Aberi hazvizozivikanwa munyika. Uye akarangana naKaini nevateveri vake kubvira panguva iyoyo.

28 Uye zvakare ndiye uye munhu mumwechete iyeyu akaisa mumwoyo yevanhu pfungwa yekuti avavake shongwe yakareba zvekuti yaizosvika kudenga. Uye aive munhu mumwechete iyeyo akatungamirira vanhu vakabva pashongwe iya vachiuya munyika ino; akaparadzira mabasa erima neekuipa pamusoro penyika yose, kudakara akwezvera vanhu kunoparadzwa bzvachose, nokugehena rekusingaperi.

29 Hongu, ndiye munhu mumwechete iyeyo akaisa mumwoyo amaGadhiandoni kuti arambe achiita mabasa erima, neekuponda muruvande; uye akavamba ainazvo kubvira pakutanga kwemunhu kusvika munguva ino.

30 Uye tarisai, ndiye uyu amunyori wezvitema zvose. Uye tarisai, anoita mabasa ake erima nokuponda muruvande, uye vanogashidzana zvavanorangana, nezvitsidzo zvavo, nezvibvumirano zvavo, nekuronga kwavo kweuipi hwakanyanya, kubva kuchizvarwa nechizvarwa namaererano nekubata kwaanoita mwoyo yevana vevanhu.

31 Uye zvino tarisai, akanga abata zvikuru mwoyo yemaNifai; hongu, zvekuti vakanga vave vanhu vaipa zvikuru; hongu, vazhinji vavo vakanga vasiya nzira yekururama, uye avakatsika-tsika mirairo yaMwari netsoka dzavo, uye vakaenda nedzavo nzira, uye vakazvivakira mifananidzo yegoridhe yavo nesirivha yavo.

32 Uye zvakaitika kuti kwose kutadza uku kwakauya kwavari mukati memakore amashomanani, zvekuti zvizhinji zvacho zvakaitika mugore rechimakumi matanhatu nemanomwe rekutongwa kwevanhu vaNifai nevatongi.

33 Uye vakakura nezvitadzo zvavo mugore rechimakumi matanhatu nemaserewo, vakarurama vakasuwa zvikuru nokuchema.

34 Uye saka tinoona kuti maNifai akatanga kuderera mukusatenda, uye vakakura mukuipa nezvitadzo, maRamani akatanga kukura muruzivo rwaMwari vavo zvikuru; hongu, vakatanga kuchengeta zvisungo zvake nemirau, nekufamba muchokwadi uye vakati twasa pamberi pake.

35 Uye saka tinoona kuti Mweya waIshe wakatanga akubva kumaNifai, pamusana peuipi nekuoma kwemwoyo yavo.

36 Uye saka tinoona kuti Ishe vakatanga kudira Mweya wake kumaRamani, pamusana pekupfava kwavo nokuda kwavo kutenda mumazwi ake.

37 Uye zvakaitika kuti maRamani vakavhima chikwata chemakororo aGadhiandoni; uye vakaparidza shoko raMwari mukati mevakanyanya kuipa vavo, zvekuti chikwata chiye chemakororo chakaparadzwa zvachose mukati memaRamani.

38 Uye zvakaitika kuti kune rumwe rutivi, maNifai vakavavaka uye vakavatsigira, zvichitanga nekune vakanga vakanyanya kuipa vavo, kudakara vazara nenyika yose yemaNifai, uye vakafurira vazhinji vevakanga vari vakarurama kusvika vaburuka vave kutenda mabasa avo vave kutambira zvakapambwa, uye nokubatana navo mukuponda nemuzvikwata zvemuruvande.

39 Uye saka vakatora, vakawana kufambiswa kwehurumende, zvekuti vakatsikirira pasi petsoka dzavo, uye vakarova nekubvarura uye vakafukatira avarombo nevakapfava, nevateveri vaMwari vakazvirereka.

40 Uye tinoona kuti vakanga vave pakaipa, uye vave akuibvira kuparadzwa kusingaperi.

41 Uye zvakaitika kuti ndiko kupera kwakaita gore rechimakumi matanhatu nemasere rekutongwa kwemaNifai nevatongi.