Magwaro Matsvene
Aruma 42


Chitsauko 42

Nguva ino yatigere panyika inguva yokugadzirira kuti munhu akwanise kutendeuka kuti ashandire Mwari—Kuputsika kwakaunza rufu rwenyama nerwomweya kumarudzi ose—Rununuro rwunouya kuburikidza nokutendeuka—Mwari pachake anoripira zvitadzo zvenyika yose—Tsitsi ndedze avo vanotendeuka—Vamwe vose vainomirira kutonga kwakanaka kwaMwari—Tsitsi dzinouya kuburikidza noRudzikinuro—Vakatendeuka zvechokwadi chete vachaponeswa. Zvingangove makore 74 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino, mwanakomana wangu, ndinoona kuti une zvimwe zvinhu zviri kunetsa pfungwa dzako, zvausiri kunzwisisa—zviri pamusoro apokutonga kwakanaka kwaMwari mukuranga vatadzi; nokuti uri kufunga kuti hazvina kururama kuti mutadzi aiswe mukusuwa.

2 Zvino tarisai, mwanakomana wangu, ndichatsanangura zvinhu izvi kwauri. Nokuti tarisai, shure kwokunge Ishe Mwari avatumira vabereki vedu vokutanga kubva mubindu breEdeni, kuti vanorima ivhu, kwavakanga vambotorwa—hongu, vakaburitsa munhu, vakaisa kumabvazuva ebindu reEdeni, cmakerubi, nemunondo waibvira ichitendeuka kutarisa mativi ose, kuti ichengete dmuti woupenyu—

3 Zvino, tinoona kuti munhu akanga aita saMwari, ava kuziva chakanaka nechakaipa; tarisai kuti akatambanudza ruoko rwake, akatora muti woupenyu, akaudya akazogara nokusingaperi, Ishe Mwari vakaisa makerubi nomunondo unobvira, kuti munhu asazodya muchero uyu—

4 Uye saka tinoona, kuti kwakapiwa munhu nguva ayokutendeuka, hongu, nguva yokugadzirira, nguva yokutendeuka nokushandira Mwari.

5 Nokuti tarisai, dai Adama akaisa ruoko rwake nguva iyoyo, akadya muti woupenyu, angadai akagara nokusingaperi, maererano neshoko raMwari, asina mukana wokutendeuka; hongu, uyewo shoko raMwari pangadai pasina, uye zano guru roruponeso ringadai rakakanganiswa.

6 Asi tarisai, zvakanga zvakataurwa kumunhu kuti aachafa—naizvozvo, sezvo vakabviswa pamuti woupenyu vanofanirwa kubviswa pamusoro penyika—uye munhu akazorasika zvachose, hongu, vakave munhu bakapunzika.

7 Uye zvino, tinoona kuti vabereki vedu vokutanga avakabviswa vose panyama nepamweya kubva pamberi paIshe; saka tinoona kuti vakazova vanhu vaiita bkuda kwavo.

8 Zvino tarisai, zvakanga zvisakafanira kuti munhu ave anozomutswa zvakare murufu rwenyama urwu, nokuti zvaizoparadza ahurongwa hukuru hwerufaro.

9 Naizvozvo, sezvo mweya wakanga usingafi, uye akuputsika kuri kwakanga kwaunza kumarudzi ose kufa pamweya nokufa kwomuviri, kuri kuti, vakabviswa pamberi paIshe, zvakanga zvakakodzera kuti marudzi ose amutswe zvakare parufu rwomweya urwu.

10 Naizvozvo, sezvo vakanga vave kuita azvenyama, nokutevedzera zvaida miviri yavo, nezvakaipa, bnguva ino yokuedzwa yakave nguva yavo cyokugadzirira, yakave nguva yekugadzirira.

11 Uye zvino rangarira, mwanakomana wangu, dai hwakange husiri hurongwa hwenunuro (tichihuisa parutivi) vaingoti mweya yavo yaibva ayasuwa zvikuru, nokuti vainge vachibviswa pamberi paIshe.

12 Uye zvino, pakanga pasina nzira yokubvisa vanhu ava mukuputsika uku, kwakaunzwa nomunhu pachake nokuda kwokusateerera kwake.

13 Naizvozvo, maererano nokururama, ahurongwa hwerununuro hawaizokwanisa kuunzwa, kunze kwokunge kuine bkutendeuka kwomunhu panguva ino yokuedzwa, hongu, nguva ino yokuedzwa; nokuti dai pakanga pasina zvinangwa izvi, tsitsi dzaishaikwa dzoparadza mabasa akarurama. Zvino mabasa akarurama haangaparadzike, dai zvakadaro, Mwari chaangave Mwari.

14 Uye saka tinoona kuti vanhu vose uye vanga avakaputsika, vanga vari bmukutongwa; hongu, mukutonga kwaMwari, uko kwaivabvisa nokusingaperi pamberi pake.

15 Uye zvino, zano retsitsi haraizoitwa kunze kwokunge rudzikinuro rwaitwa, naizvozvo, Mwari pachavo avakaripira zvivi zvenyika, kuti vaunze zano bretsitsi, kuti kugutse zvinodiwa cmukutonga kwakanaka, kuti Mwari vave dvakakwana, Mwari vakarurama, uyewo naMwari vane tsitsi.

16 Zvino, kutendeuka hakwaiuya kuvanhu kunze kwokunge pane kurangwa, uko kwakanga akusingaperi soupenyu hwemweya uhwo husingaperi, hwakabatanidzwa nenzira yorufaro, iyo yokusingaperiwo soupenyu hwemweya.

17 Zvino, ko munhu angatendeuka sei kunze kwokunge aatadza? Angatadza sei kana pasina bmutemo? Pangave nomutemo sei kunze kwokunge pane kurangwa?

18 Zvino, pakaiswa kurangwa, nomutemo wakarurama, wakaunza kusuwa akupfungwa yomunhu.

19 Zvino, dai pakanga pasina kupiwa mutemo—kana munhu aakaponda anofanira kufa—aizotya here kuti achafa kana akaponda?

20 Uye zvakare, dai mutemo usina kupiwa kumunhu anotadza munhu haaizotya kutadza.

21 Uye dai apasina mutemo wakapiwa, kana munhu achinge atadza ko zvino kutonga kwaizova kwei, kana tsitsi, nokuti hapana chavaizotaura pamusoro pechisikwa?

22 Asi pane mutemo wakapiwa, nokurangwa kwakaiswa, anokutendeuka kwakapiwa kutendeuka uku, kunodiwa netsitsi; kana, kutonga kunoda chisikwa uye, mutemo wobva waranga; kana zvisina kudaro, mabasa ekutonga anoparadzwa, uye Mwari vanobva varega kuve Mwari.

23 Asi Mwari havashaye kuva Mwari, uye atsitsi dzinoda vanozvityora, uye tsitsi dzinouya nokuda bkwokudzikinurwa; uye kudzikinurwa kunounza ckumutswa kwevakafa; kumutswa kwevakafa dkunounza vanhu zvakare kuna Mwari; nokudaro vanodzorerwa pamberi pavo zvakare, kuti evazotongwa maererano namabasa avo, maererano nomutemo wokutonga.

24 Nokuti tarisai, kutonga kunoenzanisa kunonzi ngakuitwe, tsitsi ngadzivepowo kune vose vadzo, saka, ivavo chete vakazvininipisa pachokwadi ndivo vachaponeswa.

25 Chii, unofunga here kuti tsitsi dzingapambe akururama? Ndinoti kwauri, Kwete; hazviitike. Dai zvakadaro, Mwari vaimira kuva Mwari.

26 Uye saka Mwari anounza anzira yake huru yezvinangwa zvokusingaperi, iyo yakagadzirwa bkubvira kumavambo enyika. Apo kunouya ruponeso norununuro rwomunhu, nokuparadzwa nokusuwa.

27 Naizvozvo, iwe mwanakomana wangu, auyo-wose anouya anogona kuuya achinwa mvura youpenyu akasununguka; uyo asingauye haazomanikidzwa kuti auye; asi pazuva rokupedzisira bzvichazodzoserwa kwaari maererano cnezviito zvake.

28 Kana ari anoda kuita azvakaipa, uye asina kutendeuka pamazuva ake, tarisai, kuipa kuchaitwa kwaari, maererano nokudzorera pakare kwaMwari.

29 Uye zvino, mwanakomana wangu, ndinoda kuti zvinhu izvi zvisakutambudze zvakare, utambudzwe nezvivi zvako chete, nedambudziko iro richakuunza pakutendeuka.

30 Mwanakomana wangu, ndinoda kuti usave unoramba kutonga kwaMwari zvakare. Usave unozviisa pachinzvimbo chokunzvenga zvivi zvako, nokuramba kutonga kwaMwari; asi iva unoregera kutonga kwaMwari, netsitsi dzavo, nomwoyo wavo murefu uye unopa mhiko izere mumwoyo mako; uye ita kuti zvikuunze pasi muguruva anokuzvininipisa.

31 Uye zvino iwe mwanakomana wangu, wakadaidzwa naMwari kuti uparidze shoko kuvanhu ava. Uye zvino, mwanakomana wangu, enda nzira yako, taura shoko nechokwadi chose chizere, kuti uunze vanhu mukutendeuka, kuti hurongwa hukuru hwetsitsi huve nechahunowana pamusoro pavo. Uye Mwari vave vanokupa maererano nemazwi angu. Ameni.