Magwaro Matsvene
Aruma 3


Chitsauko 3

MaAmurisai vakange vazviisa rupawo maererano nezwi rechiporofita—MaRamani akashurikidzirwa pamusana pehupanduki hwavo—Vanhu vanozvishurikidzira vega—MaNifai vanokunda imwezve hondo yemaRamani. Zvingangove makore 87 kusvika ku86 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti maNifai akanga asina akuuraiwa nezvombo zvehondo, vapedza kuviga avo vakanga vauraiwa—zvino vakanga vauraiwa havana kunge vaverengwa, nenzira yekuwanda kwavo—mushure mekuviga vakafa vavo vose vakadzokera kunyika dzavo, uye kudzimba dzavo, nekuvakadzi vavo, nekuvana vavo.

2 Zvino vakadzi vazhinji nevana vakanga vauraiwa nemunondo, nematanga avo mazhinji; neminda yavo yezvirimwa zvakange zvaparadzwa, nokuti zvakatsikirirwa nemhomho dzevanhu.

3 Uye zvino sezvo maRamani mazhinji nemaAmurisai akawanda vakange vauraiwa munyasi merwizi rweSidhoni vakakandwa amumvura dzeSidhoni; uye tarisai mapfupa avo ari muudzamu bhwegungwa, uye akawanda.

4 Uye amaAmurisai akange akasiyana nemaNifai, nokuti vakange vazviisa brupawo vazvinyora neruvara rwutsvuku pamhanza setsika yemaRamani; zvisinei vakanga vasina kugusa misoro yavo semaRamani.

5 Zvino maRamani akanga akaguswa misoro; uye vakanga vasina akusimira, kunze kwekatehwe kaive muchiuno chavo, uye vakamoneredzwa, nezvinodzivirira muviri, neuta hwavo, nemiseve yavo, nematombo avo, nezvinziriri zvavo, nezvimwe zvakadaro.

6 Uye rukanda rwemaRamani rwaive rwutema, maererano nerupawo rwakange rwaiswa pamadzibaba avo, kwakange kuri akutukwa kwavakange vaitwa pamusana pekutadza kwavo nekupandukira kwavo vanun’una vavo, vakanga vari Nifai, Jakobho, naJosefa, naSemu, vakanga vari vanhu vakanaka uye vatsvene.

7 Uye vakoma vavo vakatsvaka kuvaparadza, nokudaro vakatukwa, uye Ishe Mwari vakavaisa arupawo, hongu, pana Ramani naRemueri, nevanakomana vaIshmaeri, nemadzimai ekwaIshmaeri.

8 Uye izvi zvakaitwa kuti mbeu yavo isiyane nembeu yevanun’una vavo, kuti naizvozvo Ishe Mwari vagone kuchengetedza vanhu vavo, kuti varege akusanganisa nekutevedza btsika dzisiri idzo dzinoita kuti vaparadzwe.

9 Uye zvakaitika kuti ani zvake akasanganisa mbeu yake neyemaRamani akazvipawo kutukwa kumbeu yake.

10 Naizvozvo, ani zvake akazvibvumira kuti atorwe nemaRamani aidaidzwa nezita iroro, uye pachibva paiswa rupawo paari.

11 Uye zvakaitika kuti ani nani zvake akange asingatende amutsika dzemaRamani, asi achitenda izvo zvinyorwa zvakanga zvabviwa nazvo Jerusarema, netsika dzemadzibaba avo, dzaive dziri chaidzo, aitenda mumirairo yaMwari uye achiichengeta, vainzi maNifai, kana kuti vanhu vaNifai, kubvira panguva iyoyo—

12 Uye ndivo vakachengeta zvinyorwa zvine achokwadi zvevanhu vavo, nezvevanhu vemaRamani.

13 Zvino tombodzokera kumaAmurisai zvakare, nokuti naivowo vaive anerupawo rwakanga rwaiswa pavari; hongu, vakazviisa rupawo ivo pachavo, hongu, rupawo rwutsvuku pamhanza dzavo.

14 Ndiko kuzadzikiswa kunoitwa shoko raMwari, nokuti aya ndiwo mazwi avakataura kuna Nifai: Tarisai, maRamani ndakavatuka, uye ndichaisa rupawo pavari kuti ivo nembeu yavo vasiyaniswe newe nembeu yako, kubvira zvino nariini, kunze kwekunge vatendeuka kubva muuipi hwavo uye avopindukira kwandiri kuti ndigovaitira tsitsi.

15 Uye zvakare: Ndichaisa rupawo pane uyo anosanganisa mbeu yake neye vakoma vako, kuti naivowo vagove vakatukwa.

16 Uye zvakare: Ndichaisa rupawo pane uyo anorwisana newe nembeu yako.

17 Uye zvakare, ndinoti uyo anobva kwauri haazodaidzwa kunzi mbeu yako; uye ndichakuropafadza, uye ani zvake achanzi ndewembeu yako, zvino uye narinhi; uye izvi ndizvo zvivimbiso zvaIshe kuna Nifai nekumbeu yake.

18 Zvino maAmurisai havana kuziva kuti vaive varikuzadzikisa mazwi aMwari pavakatanga kuzviisa rupawo pamhanza; zvisinei vakanga avapandukira Mwari zviri pachena; naizvozvo zvakanga zvakafanira kuti kutukwa kuwire pavari.

19 Zvino ndinoda kuti muzive kuti vakazviparira akutukwa ivo pachavo; uye kana naizvozvo wose munhu anotukwa anozviparira ega kuraswa kwake.

20 Zvino zvakaitika kuti kusati kwapera mazuva mazhinji mushure mehondo yakarwirwa munyika yeZarahemura, nemaRamani nemaAmurisai, kuti kwakave neimwe hondo yemaRamani yakauya kuvanhu vaNifai, munzvimbo aimwecheteyo pakasangana mauto ekutanga nemaAmurisai.

21 Uye zvakaitika kuti kwakatumirwa hondo kunovatandanisa kuti vabve munyika mavo.

22 Zvino Aruma pachake akange achitambudzwa aneronda haana kuenda kunorwa panguva iyi nemaRamani;

23 Asi akatumira mauto akawanda kunovarwisa; uye vakaenda vakauraya maRamani mazhinji, uye vakabvisa vakanga vasara vachivatinha kubva munyika mavo.

24 Uye vakadzoka zvakare uye vakatanga kuisa runyararo munyika, vasisatambudzwe kwechinguva nevavengi vavo.

25 Zvino zvose zvinhu izvi zvakaitwa, hongu, dzose hondo idzi nekupesana zvakatanga zvikapera mugore rechishanu rekutonga kwevatongi.

26 Uye mugore rimwechete makaita zviuru nemakumi ezviuru zvemweya yakaenda kunyika yokusingaperi, kuti vanokohwa amibairo yavo maererano nemabasa avo, kuti ange akanaka here kana kuti akaipa, kuti vakohwe kufara kwokusingaperi kana kusuwa kwokusingaperi, maererano nemweya wavakasarudza kuteerera, kuti mweya wakanaka here kana wakaipa.

27 Nokuti wose munhu anotambira amubairo kubva kune uyo waakasarudza bkuteerera, uye izvi zviri maererano nemazwi emweya wechiporofita; saka ngazvive zviri maererano nechokwadi. Uye ndiko kupera kwakaita gore rechishanu rekutonga kwevatongi.