Magwaro Matsvene
2 Nifai 9


Chitsauko 9

MaJuda achaungana munyika dzavo dzose dzechipikirwa—Rudzikinuro rwunoripira vanhu kubva muKupunzika—Miviri yaavo vakafa ichamuka kubva mumakuva, mweya yavo ichabva kugehena nomuparadiso—Vachatongwa—Rudzikinuro rwunoponesa kubva parufu, gehena, dhiabhorosi, nokurwadziwa kusingaperi—Vatsvene vanozoponeswa muumambo hwaMwari—Kurangwa kwezvivi kunopiwa—Mutsvene waIsraeri ndiye muchengeti wapamusuo. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino, hama dzangu dzinodiwa, ndaverenga zvinhu izvi kuti muzive maererano anezvibvumirano zvaIshe zvavakabvumirana neveimba yose yavaIsraeri—

2 Kuti vakataura kumaJuda, nomuromo wovaporofita vavo vatsvene, kubvira pakutangisa, kubva kuzvizvarwa nezvizvarwa, kusvikira panguva ayazvichadzorerwa kuchechi nedanga rechokwadi raMwari; apo bvachaungana kumusha cmunyika dzenhaka yavo, vachiiswa vose munyika dzavakavimbiswa.

3 Tarisai, hama dzangu dzinodiwa, ndinotaura kwamuri zvinhu izvi kuti mufare, kuti amusimudze misoro yenyu nokusingaperi, nokuda kwamakomborero ayo Ishe Mwari avachapa kuvana venyu.

4 Nokuti ndinoziva kuti matsvaga zvikuru, vazhinji venyu, kuti muzive zvinhu zvichauya; saka ndinoziva kuti munoziva kuti nyama yedu ichaparadzwa igofa; zvisinei, anemiviri yedu tichaona Mwari.

5 Hongu, ndinoziva kuti munoziva kuti mumuviri achazviratidza iye kuna avo vari Jerusarema, kwatakabva; nokuti chinhu chinofanira kuitwa pakati pavo; nokuti zvinofadza aMusiki mukuru kuti ave somunhu munyama, uye agofira vanhu bvose, kuti vanhu vose vagova pasi pake.

6 Nokuti sezvo rufu rwuri pamunhu wose, kuti kuzadzikiswe akuronga kwetsitsi kwoMusiki, panofanirwa kunge paine simba brokumutswa kwavakafa, uye kumutswa kwavakafa kunofanirwa kuuya kumunhu nokuda kwechikonzero cchokupunzika; kupunzika kwakauya nechikonzero chokutadza; uye nokuti munhu akapunzika dakabviswa pamberi paIshe.

7 Naizvozvo, arudzikinuro rwakafanira kunge rwuri brwusingaverengeke—asi kana rudzikinuro rwusiri rwusingaverengeke harwungakwanise kuti kuora kusave kuora. Naizvozvo, kutongwa ckwekutanga kwakauya kumunhu kwaifanira dkugara nokusingapere. Uye kana zvakadaro, nyama iyi yakafanira kuora ichidzokera kuvhu kwayakabva, isingazomukazve.

8 aHuchenjeri hwaMwari, btsitsi cnenyasha dzavo! Nokuti tarisai, dai dnyama ikasamuka zvakare mweya yedu ichava seyengirozi iya eyakapunzika kubva kuna Mwari Vokusingaperi, ikazova fdhiabhorosi, kuti isazomuka zvakare.

9 Uye mweya yedu inenge yave kuita saiye, tave vana dhiabhorosi, angirozi dzadhiabhorosi kunadhiabhorosi, kuti btipfigirwe kunze kubva kuna Mwari vedu, tigogara nababa cvenhema, mukusuwa saiye, hongu, kuna iye dakanyengedza vabereki vedu vokutanga, eanozvishandura akange achaita fsengirozi yechiedza, anofurira vana vevanhu kupinda muzvikwata gzvemuruvande zveumhondi nekuita ose mabasa akaipa erima.

10 Mwari wedu vakanaka sei, vanotigadzirira nzira yokutiza nayo chipuka chinotyisa; hongu, chipuka ichi, arufu bnegehena, zvandinoti rufu rwomuviri, uye norufu rwomweya.

11 Uye nokuda akwekusunungurwa kwedu naMwari vedu, Mutsvene waIsraeri, brufu urwu, rwandakataura pamusoro parwo, rwuri rwenguva duku, rwuchaburitsa vakafa varwo; rufu rwacho rwuri guva.

12 Uye arufu urwu rwandataura, kunova kufa pamweya, rwuchaburitsa vakafa varwo; kufa pamweya uku bigehena; naizvozvo, rufu negehena zvinofanira kuburitsa vakafa varwo, gehena rinofanira kuburitsawo mweya yakabatwa pausungwa, uye guva rinofanira kuburitsawo miviri iri pausungwa, uye miviri cnemweya yavanhu dichadzorerwa pakare; rinova simba rokumuka kuna vakafa kwakaitwa noMutsvene waIsraeri.

13 aKuronga kwaMwari kukuru sei! Nokuti kune rumwe rutivi, bparadiso yaMwari inofanira kuburitsa mweya yevatsvene, guva richiburitsa miviri yevatsvene; mweya nemiviri cichadzorerwa pakare zvakare, uye vanhu vanenge vasisatadze kana dkufa, vava mweya mipenyu, vaine eruzivo frwakakwana sezvatiri munyama, mutsauko uri wekuti ruzivo rwedu rwunenge rwurirwuzere.

14 Nokudaro, tichava anoruzivo rwakakwana brwokutadza kwedu kwose, nokusachena kwedu, cnokusasimira kwedu; uye vakarurama vachave noruzivo rwakakwana mukufara kwavo, dnokururama kwavo, evachashongedzwa fnoutsvene, hongu, uye kana gnguwo dzokururama.

15 Uye zvichaitika kuti kana vanhu vose vabva murufu rwokutanga kuenda muupenyu, uye vasisazofa, vanofanirwa kuuya pachigaro achokutongwa choMutsvene waIsraeri; kwozouya bkutongwa, maererano nekutonga kutsvene kwaMwari.

16 Zvechokwadi, sokurarama kunoita Ishe, Ishe Mwari vakazvitaura, uye aizwi ravo brekusingaperi, iro risingafe, kuti avo vatsvene vachava vatsvene, avo vane ctsvina vachangova vane dtsvina; nokudaro, avo vane tsvina endidhiabhorosi nengirozi dzake; vachaenda kumoto fusingaperi; wakagadzirirwa ivo; kurwadziwa kwavo kunenge gdziva romoto nesuriferi, rimi racho rinokwira kudenga risingagumi.

17 Ukuru anokutonga kwakanaka kwaMwari vedu! Nokuti zvavanenge vataura nemuromo wavo vanozviita, uye zvakabva mumuromo mavo, uye mutemo wavo unofanira kuzadzikiswa.

18 Asi tarisai, vakarurama, avatendi veMutsvene waIsraeri, avo vanotenda kune Mutsvene waIsraeri, avo vakatsungirira bmichinjikwa yenyika, vakashora kunyadzisa kwayo, vachadya cnhaka dyeumambo hwaMwari, hwavakagadzirirwa ekubvira pakutanga kwenyika, nokufara kwavo kuchave kwakazara fkusingaperi.

19 Kukura kwetsitsi dzaMwari wedu, Mutsvene waIsraeri! Nokuti aanobvisa vatendi vake kubva muchipuka bchakaipisa chiya dhiabhorosi, nemurufu, cnemugehena, nemudziva romoto nosuriferi kunova kurwadziwa kusingaperi.

20 Kukura akweutsvene hwaMwari vedu! Nokuti bvanoziva zvinhu zvose, uye hapana chimwe chinhu chavasingazive.

21 Uye vakauya panyika kuti avaponese vanhu vose kana vachinge vateerera shoko ravo; nokuti tarisai, vanotora kurwadziwa kwevanhu vose, hongu, bkurwadzwa kwechisikwa chose chipenyu, varume, vakadzi, nevana, vemhuri cyaAdama.

22 Uye vakabvuma kutambudzika uku kuti vanhu vagomuka kuvakafa, kuti vose vagomira pamberi pavo musi wezuva guru rokutongwa.

23 Uye vakaraira vanhu vose kuti avatendeuke, bvagobhabhatidzwa muzita ravo, vaine kutenda kuzere muMutsvene waIsraeri, nokuti havangaponeswe muumambo hwaMwari.

24 Uye kana vasingatendeuke nokutenda amuzita ravo, nokubhabhatidzwa muzita ravo, bnokushingirira kusvikira kumagumo, vanofanirwa ckuraswa; nokuti Ishe Mwari, Mutsvene waIsraeri, vakazvitaura.

25 Naizvozvo, vakavapa amutemo; uye bpasina mutemo wapiwa hapana kurangwa; uye pasina kurangwa hapana kuraswa; apo pasina kuraswa tsitsi dzoMutsvene waIsraeri dzichave pavari, nenzira yerudzikinuro; nokuti vakaponeswa nesimba rake.

26 Nokuti arudzikinuro rwunogutsa zvinodiwa bnekutonga kwake kwakanaka kuna avo vose cvasina kupiwa dmutemo, kuti vachaponeswa kuchipuka icho chinotyisa, rufu negehena, nadhiabhorosi, nedziva romoto nesuriferi, kunova kurwadziwa kusingaperi; uye vachidzorerwa kuna Mwari vakavapa emweya wekufema, vanova Mutsvene waIsraeri.

27 Asi nhamo kune akapiwa amutemo, hongu, uyo ane mitemo yose yaMwari, sezvatakaita isu, agosaiteerera, uye agotambisa mazuva ake ekuedzwa, nokuti zvinhu zvake kuipa kwazvo kunotyisa!

28 aZano rokunyengedza kwowakaipa! bKushaya maturo, neurema hwavanhu! Kana cvadzidza vanofunga kuti dvachenjera, havachateerera ekuraira kwaMwari, nokuti vanobva vazviisa parutivi, vachifunga kuti ivovave kuziva, asika, kuziva kwavo hubenzi hakuna chakunovapa. Vachatsakatika.

29 Asi kudzidza kwakanaka kana avachiteerera bkuraira kwaMwari.

30 Asi nhamo iri akuvapfumi, avo vakapfuma muzvinhu zvenyika. Nokuti vapfumi saka vanoshora bvarombo, uye vanotambudza vakapfava, uye mwoyo yavo iri papfuma yavo; nokudaro, upfumi hwavo ndiye mwari wavo. Uye tarisai upfumi hwavo huchaparara pamwe navo.

31 Uye nhamo kumatsi dzisingadi akunzwa; nokuti dzichafa.

32 Nhamo kumapofu asingade kuona; nokuti achafawo.

33 Nhamo kuna avo vasina kudzingiswa pamwoyo, nokuti ruzivo rwokutadza kwavo rwuchavarova pazuva rokupedzisira.

34 Nhamo akumunyepi, nokuti achakandwa bmugehena.

35 Nhamo kune uyo aanoponda achida, iyewo bachafa.

36 Nhamo kune avo vanoita aupombwe, naivo vachakandwa mugehena.

37 Hongu, nhamo kune avo vanonamata azvimifananidzo, nokuti dhiabhorosi waanadhiabhorosi vose anofara navo.

38 Uye muchidimbu, nhamo kuna avo vose vanofira muzvivi zvavo; nokuti avachadzokera kuna Mwari, voona chiso chavo, voramba vari muzvivi zvavo.

39 Hama dzangu dzinodiwa, rangarirai kuipa mukutadzira Mwari Mutsvene, uyewo kuipa kwekubvumira kukwezva kwaiyeyo amunyengedzi. Rangarirai kufunga bzvenyama crufu, asi zvemweya kufunga dupenyu ehwokusingaperi.

40 Hama dzangu dzinodiwa, ipai nzeve kumazwi angu. Rangarirai ukuru hweMutsvene waIsraeri. Musati ndakataura zvinhu zvakaoma kwamuri; nokuti mukadaro, munenge matuka achokwadi, nokuti ndataura mazwi oMusiki venyu. Ndinoziva kuti mazwi echokwadi bakaoma pane zvinhu zvose zvine tsvina; asi vatsvene havaatye kwete, nokuti vanoda chokwadi uye havazunguzuke.

41 Zvino hama dzinodiwa, auyai kuna Ishe, Mutsvene. Rangarirai kuti nzira dzavo itsvene. Tarisai, bnzira yomunhu cyakamanika, asi inofamba yakatwasanuka pamberi pavo, uye muchengeti dwapamusuwo ndivo Mutsvene waIsraeri; uye havashandise musevenzi ipapo; uye hakuna imwe nzira kunze kwapamusuwo; nokuti haanganyengedzwi, nokuti Ishe Mwari ndiro zita rake.

42 Uye uyo anogugudza, ndiye anozururirwa; avachenjeri, nevakadzidza, naavo vapfumi, bvanozvikudza nokudzidza kwavo, nouchenjeri, noupfumi hwavo—hongu, ivavo ndivo vavakashora; kunze kwokunge varasa zvinhu izvi, vozviita cmarema pamberi paMwari, nokuzviunza pasi-pasi dpokuzvininipisa, havazovazururira.

43 Asi zvinhu zvavachenjeri nevanoziva azvichazovigwa kubva kwavari nokusingaperi—hongu, uyo mufaro wakagadzirirwa vatendi.

44 Hama dzangu dzinodiwa, rangarirai mazwi angu. Tarisai, ndinobvisa nguwo dzangu, ndodzizunza pamberi penyu; ndinonamata kuna Mwari voruponeso kuti vanditarise neziso arakapinza; nokudaro, muchaziva nezuva rokupedzisira, apo vanhu vose vachatongwa namabasa avo, kuti Mwari waIsraeri vachapupura kuti bndakazunza kuipa kwenyu kubva pamweya wangu, zve kuti ndinomira nechiedza pamberi pake, cndisina ropa renyu.

45 Hama dzangu dzinodiwa, tendeukai kubva muzvivi zvenyu; zunzai angetani idzo dzakakusungai; uyai kuna Mwari bdombo roruponeso rwenyu.

46 Gadzirirai mweya yenyu zuva rokubwinya iro akutonga kwakanaka kuchaitwa kuvatsvene, kunyange zuva brokutongwa, kuti musazvipeta nokutya; kuti musarangarire cmhosva dzenyu mune zvakakwana, mozotunhwa kuti mutaure muchiti: Kutsvene, kutsvene kutonga kwenyu kutsvene, Ishe Mwari dSamasimba—asi ndinoziva kutadza kwangu; ndakatadza mirairo yenyu, kutadza kwacho ndokwangu; dhiabhorosi akanditora, saka ndiri nyama yekuipa kwake.

47 Asi tarisai hama dzangu, ko ndinofanira here kukumutsai kuti muone pachena zvinhu izvi? Ndingarwadzise here mwoyo yenyu kana pfungwa dzenyu dziri tsvene? Ndingataure zviri pachena here maererano nokutaura chokwadi dai manga makasununguka kubva muzvivi?

48 Tarisai, dai manga muri vatsvene ndaitaura kwamuri pamusana poutsvene; sezvo musiri vatsvene, muchitarisira kwandiri somudzidzisi, ndinofanira akukudzidzisai pamusana pedambudziko brechivi.

49 Tarisai, mweya wangu unovenga chivi, mwoyo wangu unofadzwa noutsvene, uye andicharumbidza zita dzvene raMwari wangu.

50 Uyai hama dzangu, uyo wose ane nyota, uyai kune amvura; uyo asina mari, uyai mutenge mudye; hongu, uyai mutenge waini nomukaka zvisina bmari uye zvisina mutengo.

51 Nokudaro, musaparadze mari pazvinhu zvisingakodzeri, kana asimba renyu nezvisingagutsi. Teereresai nesimba kwandiri, murangarire mazwi andakataura; muuye kune Mutsvene waIsraeri, muite bmabiko kune icho chisingafi, kana kuipiswa, asi kuti mweya ufare mukukora.

52 Tarisai hama dzangu dzinodiwa, rangarirai mazwi aMwari venyu; namatai kwaari kusingaperi pazuva, anokutenda kuzita ravo dzvene usiku. Mwoyo yenyu ngaifare.

53 Uye tarisai kuti azvibvumirano zvaIshe zvikuru sei, uye kukura kwekuzvideredza kwavo kuvana vevanhu; nokuda kwoukuru hwavo nyasha bnetsitsi dzavo, vakativimbisa kuti mbeu yedu haizoparadzwa zvachose, munyama, asi kuti vachavachengetedza; zvizvarwa zvichauya zvichava cbazi dzvene reimba yaIsraeri.

54 Uye zvino, hama dzangu, ndingadai ndataura kwamuri zvakawanda, asi mangwana ndichataura mazwi andasiya nhasi. Ameni.