Magwaro Matsvene
2 Nifai 10


Chitsauko 10

MaJuda acharovera pamuchinjikwa Mwari vavo—Vachapararira kudakara vatangisa kutenda kwavari—America ichave nyika yerusununguko isina mambo anotonga—Wadzanai naMwari uye mugowana ruponeso kuburikidza nenyasha dzake. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino ini Jakobho, ndinotaura kwamuri zvakare, hama dzangu dzinodiwa, pamusoro apebazi rakarurama iri randataura.

2 Nokuti tarisai, azvivimbiso zvatakawana zvivimbiso zvakaitwa kwatiri maererano nezvenyama; nokudaro, sezvo zvakaratidzwa kwandiri kuti ruzhinji rwevana vedu rwuchafira mune zvenyama nenzira yekusatenda, zvakadaro, Mwari vachanzwira tsitsi kuvazhinji; uye vana vedu vachaponeswa, kuti vazouya kune icho chichavapa ruzivo rwakakwana rwechokwadi rweMununuri wavo.

3 Nokudaro, sekutaura kwandaita kwamuri, zvinofanira kuti Kristu—nokuti mauro angirozi yakandiudza kuti ndiro rakafanira kuve zita rake—banouya pakati pemaJuda, pakati peavo vakanyanya kuve vakaipa munyika; uye cvachamurovera pamuchinjikwa—nokuti ndizvo zvinofadza Mwari vedu, uye hakunazve rumwe rudzi panyika drwungarovere pamuchinjikwa eMwari vavo.

4 Nokuti kana azvishamiso zvikuru zvakaitwa pakati pemamwe marudzi, vangatendeuke, uye vagoziva kuti ndiye Mwari wavo.

5 Asi nenzira ayehupirisita husakarurama nezvitema, avo vari Jerusarema vachaomesa mitsipa yavo vachimurwisa, kuti aroverwe pamuchinjikwa.

6 Nokudaro, nenzira yezvitema zvavo, kuparadzwa, nzara, zvirwere, uye kudeuka kweropa kuchauya pavari; uye avo vasingazoparadzwa avachaparadzirwa pakati pemarudzi ose.

7 Asi tarisai, ndiko kutaura akwaIshe Mwari: bKana zuva rasvika rekuti vatende mandiri, kuti ndini Kristu, saka ndakabvumirana nemadzibaba avo kuti vachadzorerwa munyama, pasi, kunyika yenhaka yavo.

8 Uye zvichaitika kuti avachaunganidzwa kubva kwavakanga vakapararira kwenguva huru, kubva bmuzvitsuwa zvegungwa, nemumativi mana enyika, uye marudzi emaJentairi achave makuru mumaziso angu, vanodaro Mwari, cmukuvatakura vachienda navo kunyika dzenhaka.

9 aHongu, madzimambo emaJentairi ndivo vachave madzibaba ekuvarera, uye madzimambokadzi avo ndivo vachave vareri vavo; nokudaro, bzvivimbiso naIshe kumaJentairi zvikuru, nokuti vakazvitaura, uye ndiani angazvipikise?

10 Asi tarisai, nyika ino, vanodaro Mwari, ichave nyika yenhaka yenyu, uye amaJentairi vacharopafadzwa pamusoro payo.

11 Uye nyika ino ichave nyika ayerusununguko kumaJentairi, uye haichazove bnemadzimambo enyika, vachamukirana nemaJentairi.

12 Uye ndichadzivirira nyika ino kune mamwe marudzi ose.

13 Uye uyo aanorwisa Zioni bachafa, vanodaro Mwari.

14 Nokuti uyo achamutsa mambo kuti andirwise achafa, nokuti ini Ishe amambo wedenga, ndichave mambo vavo, uye ndichave bchiedza kwavari narinhi, avo vanonzwa mazwi angu.

15 Nokudaro, nenzira yezvizvi, kuti azvibvumirano zvangu zvizadzikiswe zvandakaita kuvana vevanhu, kuti ndinozozviita kwavari vari munyama, ndakafanira kuparadza mabasa bakavanda cerima, neekupondana, neekuipa.

16 Nokudaro, uyo acharwisa aZioni, kana muJuda uye kana muJentairi, musungwa neakasununguka, murume kana mukadzi, vachafa; nokuti bivava ndivo pfambi dzepasi pose; nokuti cavo dvasiri kwandiri vari ekurwisana neni, vanodaro Mwari vedu.

17 Nokuti andichazadzikisa zvandakavimbisa vana vevanhu, zvandakati ndinovaitira vachiri vapenyu—

18 Nokudaro, hama dzangu dzinodiwa, ndiko kutaura kunoita Mwari vedu: Ndichatambudza mbeu yenyu neruoko rwemaJentairi; zvakadaro, ndichapfavisa mwoyo ayemaJentairi, kuti vaite sababa kwavari; nokudaro, maJentairi bvacharopafadzwa uye cvagoverengerwa pamwechete nevemba yaIsraeri.

19 Nokudaro, andichagadzirira nyika ino mbeu yako, neavo vachaverengerwa kumbeu yako, narinhi, kuti ive nyika yenhaka yavo; nokuti inyika yakanaka, vanodaro Mwari kwandiri, kupfuura dzimwe nyika dzose, nokudaro ndichaita kuti vose vanhu vanogaramo vandinamate, vanodaro Mwari.

20 Uye zvino, hama dzangu dzinodiwa, sekuona kwatiri kuita kuti Mwari vedu vetsitsi vatipa ruzivo rwukuru maererano nezvinhu izvi, ngativarangarirei, tosendeka zvitema zvedu, torega kutsikitsira pasi, nokuti hatina kutandwa; zvakadaro, atakatinhwa tichibviswa munyika yenhaka yedu; asi takatungamirirwa kunyika iri bnani, nokuti Ishe akaita gungwa rive cnzira yedu, uye tiri dpakatsuwa kegungwa.

21 Asi zvikuru zvakavimbiswa naIshe kune avo vagere apazvitsuwa zvegungwa; nokudaro sezvo zvichinzi zvitsuwa, zvinoreva kuti zvakawanda kupfuura apa, uye zvakagarwawo nehama dzedu.

22 Nokuti tarisai, Ishe Mwari nguva nenguva avanotungamirira imba yaIsraeri kwavanoda, maererano nezvinovafadza nekuda kwavo. Uye zvino tarisai, Ishe vanoyeuka vose vakatsauka, nokudaro vanotiyeukawo nesu.

23 Naizvozvo, farai mumwoyo menyu, uye muyeuke kuti amakasununguka bkuita zvamunoda—ckusarudza nzira yerufu rwusingaperi kana nzira yeupenyu hwokusingaperi.

24 Nokudaro, hama dzangu dzinodiwa, wadzanai nechido chaMwari, uye kwete kuda kwadhiabhorosi nekwenyama; uye muyeuke, mushure mekunge mawadzana naMwari, kuti chete anyasha dzaMwari ndidzo dzinoita kuti bmuponeswe.

25 Nokudaro, Mwari angakumutsei kubva murufu nesimba rekumutswa kwavakafa, nemurufu rwusingaperi nesimba arerudzikinuro, kuti mugogashirwa muumambo hwokusingaperi hwaMwari, kuti mugovarumbidza kuburikidza nenyasha tsvene. Ameni.