Magwaro Matsvene
1 Nifai 19


Chitsauko 19

Nifai anoita mahwendefa esimbi uye obva anyora rungano rwevanhu vekwake—Mwari vaIsraeri vachauya kwapfuura mazana matanhatu emakore kubvira panguva yakabva Rihai muJerusarema—Nifai anotaura pamusoro pekutambudzwa nekuroverwa kwavo—MaJuda vachashorwa uye vagoparadzaniswa kudakara mazuva ekupedzisira, pavachazodzokera kuna Ishe. Zvingangove makore 588 kusvika ku570 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti Ishe vakandituma, nokudaro ndikagadzira mahwendefa esimbi kuti ndigonyora paari zvinyorwa zvevanhu vekwedu. Uye apamahwendefa andakaita ndakaisa zvinyorwa bzvababa vangu, nenzendo dzedu tiri murenje, nezvekuporofita kwababa vangu; nezvizhinji zvekuporofita kwangu ndakazvinyora paari.

2 Uye handina kuziva panguva yandakanga ndichiagadzira kuti ndichazotumwa naIshe kugadzira mahwendefa aaya; nokudaro, zvinyorwa zvababa vangu, nezvenhoroondo yekuberekwa kwemadzibaba avo, nechidimbu chezvakawanda zvekufamba kwedu murenje zvakanyorwa pamahwendefa aye ekutanga andambotaura; nokudaro, zvinhu zvakatora nzvimbo ndisati ndagadzira mahwendefa baya, pachokwadi, zvakataurwa nezvazvo kunyanya mumahwendefa ekutanga.

3 Uye mushure mekuita mahwendefa aya nekutumwa, ini Nifai, ndakagashira shoko rekuti hushumiri nezvekuporofita, zvidimu zvainge zvakanyanya kuve pachena uye zvinokosha zvacho, zvaifanirwa kunyorwa pamahwendefa aaya; uye nokuti zvinhu zvanyorwa zvichengeterwe kudzidziswa vanhu vekwangu, vanenge vari varidzi venyika, uyewo kuitira mamwe mabasa beuchenjeri, aya mabasa ari anozivikanwa kuna Ishe.

4 Nokudaro, ini Nifai, ndakaita zvinyorwa pane mamwe mahwendefa, zvinopa nhoroondo, kana zvinopa nhoroondo huru yedzihondo nekupesana nekuparadzwa kwevanhu vekwangu. Uye izvi ndakazviita, uye ndikaudza vanhu vekwangu zvekuita mushure mekunge ndaenda; nekuti mahwendefa aya akafanira kugashidzanwa kubva kune chimwe chizvarwa kuenda kune chimwe, kana kuti kubva kune muporofita zvichienda kune mumwe, kudakara Ishe vataura zvakare.

5 Uye nhoroondo ayekugadzira kwangu mahwendefa aya ichapiwa mushure; uye zvino, tarisai, ndoenda mberi maererano nezvandataura; uye izvi ndinoita kuti zvinhu zvinonyanya kuyera bzvichengeterwe kuziva kwevanhu vekwangu.

6 Zvakadaro, handinyore chinhu pamahwendefa kunze kwekunge ndichifunga kuti achinoyera. Uye zvino, kana ndikakanganisa, kana vakare vaikanganisa; kwete kuti ndinotsvaka kuzvinatsa pamusoro pevamwe, asi nenzira byekusasimba kuri mandiri, maererano nenyama, ndingazvinatse.

7 Nokuti zvinhu zvinotariswa nevamwe vanhu sezvinhu zvinokosha zvikuru, zvose kumuviri nekumweya, vamwe avanozvizvidza vozvitsika pasi netsoka dzavo. Hongu, kana Mwari chaivo vaIsraeri vanhu bvanovatsikirira pasi petsoka dzavo; ndinoti, kutsikirira pasi petsoka dzavo asi ndikataura nemamwe mazwi—vanovaita chinhu chisina maturo, uye havateerere kuzwi rake rokuraira.

8 Uye tarisai avanouya, maererano nemazwi engirozi, mumazana bmatanhatu emakore kubva panguva baba vangu yavakasiya Jerusarema.

9 Uye nyika, nenzira yekuipa kwavo, vachavati chinhu chisina maturo; nokudaro vanomuranga, uye vanozvibvumira; uye vanomurova, uye vanozvibvumira. Hongu, avanovasvipira, uye vanozvibvumira, nenzira yerudo rwetsitsi dzavo nemwoyo murefu wavo kuvana vevanhu.

10 Uye aMwari vamadzibaba edu, avo bvakatungamirwa kubuda munyika yeEgipita, kubva muusungwa, uye vakachengetwa navo murenje, hongu, cMwari vaAbrahama, uye vaIsaka, naMwari vaJakobo, dvozvipira, maererano nemazwi engirozi, semunhu, mumaoko evanhu vakaipa, kuti evagosimudzwa, maererano nemazwi faZenoki, uye gvagoroverwa, maererano nemazwi aNiamu, uye vagovigwa hmubwiro, maererano nemazwi iaZenosi, aakataura pamusoro pemazuva matatu jerima, richapiwa sechiratidzo chekufa kwavo kune avo vanenge vari vagari vemuzvitsuwa zvegungwa, kunyanya zvichapiwa kune avo kvemba yaIsraeri.

11 Nokuti ndiko kutaura kwakaita muporofita: Ishe Mwari chokwadi avachashanyira vose vemba yaIsraeri pazuva iroro, vamwe nezwi ravo, nokuda kweurarami hwavo, mukufara kwavo kukuru neruponeso, uye vamwe bnekutinhira nemabhanan’ana esimba ravo, nedutu remhepo, nemoto, neutsi, nekunyangarika ckwerima, nekuzuruka dkwevhu, enemakomo achatakurwa mudenga.

12 Uye azvose zvinhu izvi zvechokwadi zvichauya, anotaura muporofita bZenosi. Uye cmatombo enyika akafanira kutsemuka; nenzira yekugomera kwepasi, vazhinji vemadzimambo ezvitsuwa zvegungwa vachatunhwa neMweya waMwari, vagodaidzira: Mwari venyika vatambudzika.

13 Uye kune avo vari kuJerusarema, muporofita anoti, avacharangwa nevanhu vose, nokuti bvanorovera Mwari vaIsraeri, uye vachiisa mwoyo yavo rutivi, vachiramba zviratidzo neminana, nesimba nembiri yaMwari vaIsraeri.

14 Uye nenzira yokuti vanotendeutsira mwoyo yavo rutivi, anotaura muporofita, uye avakashora Mutsvene waIsraeri, vachakwetaira munyama, voparara, uye vove bchitukiso cnokurehwa, uye vagovengwa mukati memarudzi ose.

15 Zvakadaro, kana zuva iroro rasvika, anodaro muporofita, zvekuti vanenge avasisaite kuti mwoyo yavo ivenge Mutsvene waIsraeri, ndipo pavachazoyeuka bzvibvumirano zvavakaita kumadzibaba avo.

16 Hongu, ndipo paachayeuka azvitsuwa zvegungwa; hongu, nevose vanhu avo vemba yaIsraeri, bndichavaunganidza, vanodaro Ishe, maererano nemazwi emuporofita Zenosi, kubva mumativi mana epasi.

17 Hongu, uye pasi pose apachaona ruponeso rwaIshe, anodaro muporofita; rwose rudzi, hama, ndimi nevanhu vacharopafadzwa.

18 Uye ini Nifai, ndakanyora zvinhu izvi kuvanhu vekwangu, kuti zvimwe ndingavanyengetedze kuti vayeuke Ishe Mununuri vavo.

19 Nokudaro, ndinotaura kune vose vemba yaIsraeri, kuti zvimwe vangawane zvinhu aizvi.

20 Nokuti tarisai, ndine mabasa emumweya, anondinetesa zvekuti nhengo dzemuviri wangu dzose hadzina simba, mukunzwira kwangu avo vari Jerusarema; nokuti dai Ishe vakanga asina kuita tsitsi, dzekundiratidza pamusoro pavo, sezvavaiita kumaporofita vakare, ndingadai ndakafawo.

21 Uye chokwadi vakaratidza akumaporofita vakare zvinhu zvose bpamusoro pavo; uye vakaratidzawo vazhinji pamusoro pedu; nokudaro, takafanira kuziva nezvavo nokuti zvakanyorwa pamahwendefa endarira.

22 Zvino zvakaitika kuti ini Nifai, ndakadzidzisa vakoma vangu zvinhu izvi; uye zvakaitika kuti ndakavaverengera zvinhu zvizhinji, zvakanga zvakanyorwa apamahwendefa endarira, kuti vazive nezvekuita kwaIshe kune dzimwe nyika, pakati pevanhu vakare.

23 Uye ndakavaverengera zvinhu zvizhinji zvakanyorwa amumabhuku aMosesi, asi kuti zvimwe ndivanyengetedze zvakakwana kuti vatende munaIshe Mununuri vavo ndakavaverengera izvo zvakanyorwa nemuporofita bIsaya; nokuti cndakafananidza magwaro matsvene ose kwatiri, kuti dzvitiyamure nekuti tidzidze.

24 Nokudaro ndakataura kwavari ndichiti: Inzwai imi mazwi emuporofita, imi muri vakasara vemba yaIsraeri, abazi rakatyoka rikava paro rega; inzwai imi mazwi emuporofita, ayo akanyorerwa kuna vose vemba yaIsraeri, mugoafananidza nemi, kuti mugove netariro nehama dzenyuwo dzinove ndipo pamakapazuka muchibva; nokuti ndiyo tsika yazvakanyorwa nayo nemuporofita.