“Hupirisita Hwakadzorerwa,” Friend (Shamwari) Kukadzi 2025, 26–28.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari) Kurume 2025
Hupirisita hwakaDzorerwa
Unokwanisa kuverenga nyaya iyi muJoseph Smith—Nhoroondo 1:66–73 uye muDzidziso neZvibvumirano 27:12.
Mushure mekunge Joseph Smith agamuchira Mahwendefa egoridhe, akatanga kuadudzira. Oliver Cowdery akanyora pasi zvaakataura. Apo pavaishanda, vakadzidza kuti Jesu Kristu aida kuti munhu wose abhabhatidzwe.
Joseph naOliver vakanetseka kuti ndiyani aiva ainesimba raMwari rekubhabhatidza vanhu. Vakaenda musango kunonamata uye nokunobvunza Mwari.
Apo pavainamata, ngirozi yakazviratidza. Akati aiva Johane mubhabhatidzi, uyo akabhabhatidza Jesu Kristu kare kare. Akapa Joseph naOliver Hupirisita hwaAroni kuti vave vanokwanisa kubhabhatidza vamwe. Hupirisita isimba raMwari. Hunoshandiswa kuropafadza vana vaMwari.
Johane Mubhabhatidzi akaudza Joseph naOliver kuti vabhabhatidzwe. Vakapinda murwizi uye vakabhabhatidzana. Apo pavakabuda mumvura, vakazadzwa neMweya Mutsvene. Vakafara zvikuru!
Pashure, Dzimwe ngirozi dzakauya. Vatatu vevaapositora vaJesu Kristu—Petro, Jakobo, naJohane—vakapa Hupirisita hwaMerkizedeki kuna Joseph naOliver. Zvino ipapo Joseph naOliver vaiva vokwanisa kupa chipo cheMweya Mutsvene kune vamwe.
Peji Yekuisa Ruvara
Jesu Anoda Rumbo rwepaMwoyo
Mufananidzo naCorey Egbert
Unonzwa sei apo paunoimba pamusoro paJesu Kristu?
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, March 2025. Shona. 19636 731