“Joseph Smith anogamuchira Mahwendefa eGoridhe,” Friend (Shamwari) Kukadzi 2025, 26–28.
“I can Be a Witness That the Book of Mormon Is True [Ndinokwanisa Kuva Chapupu Chokuti Bhuku raMormoni Ndere Chokwadi],” Friend (Shamwari), Kukadzi 2025, 48.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Kukadzi 2025
Joseph Smith Anogamuchira Mahwendefa eGoridhe
Unokwanisa kuverenga nyaya iyi muJoseph Smith—Nhoroondo 1:28–60.
Makore matatu mushure meChiratidzo Chokutanga, Joseph Smith akanzwa kushushikana pamusoro pezvimwe zvikanganiso zvaakanga aita. Akanamata kuna Baba Vokudenga pamusoro pazvo.
Apo Joseph Smith paainamata, chiedza chakazadza mupanda. Akaona ngirozi yakamira mumhepo. Zita rengirozi iyi rainzi Moronai.
Moronai akati kwaiva nebhuku rakagadzirwa nemapeji egoridhe, kana mahwendefa. Raiva rakavigwa muchikomo chaiva pedyo nemusha waJoseph. Bhuku iri raiva pamusoro pavanhu vaigara mumaAmerica kare kare. Moronai akati Mwari vaizobatsira Joseph kududzira bhuku iri.
Joseph akaenda kuchikomo uye akaona mahwendefa ari pasi pedombo rairema. Moronai akauya akati Joseph akanga asati agadzirira kuti aatore.
Apo Joseph Smith paakanga akura, Moronai akasangana naye pachikomo uye akamupa mahwendefa. Moronai akaudza Joseph kuti aachengetedze.
Joseph akatanga kududzira mahwendefa aya muChirungu. Aishandisa midziyo yakakosha kubva kuna Mwari kuti imubatsire. Bhuku racho rakashambadzwa muna 1830 seBhuku raMormoni. Rinodzidzisa pamusoro paJesu Kristu nevhangeri Rake.
Peji Yekuisa Ruvara
Ndinokwanisa kuva Chapupu Chokuti Bhuku raMormoni Ndere Chokwadi.
Mufananidzo naCorey Egbert
Unokwanisa kubatsira sei vamwe kudzidza pamusoro paJesu Kristu muBhuku raMormoni?
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, Kukadzi 2025. Shona. 19641 731