Shamwari
Chiratidzo Chokutanga
Zvita 2024


“Chiratidzo Chokutanga,” Friend (Shamwari), Ndira 2025, 26–28.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Ndira 2025

Chiratidzo Chokutanga

Unokwanisa kuverenga nyaya iyi muJoseph Smith—Nhoroondo 1:1–20.

Joseph Smith achitarisa murume achiparidzira chikwata

Apo Joseph Smith paaiva achiri mudiki, machechi mazhinji aidzidzisa zvinhu zvakasiyana-siyana pamusoro paJesu Kristu. Joseph aiva asingazivi kuti opinda chechi ipi

Joseph Smith achiverenga Bhaibheri

Rimwe zuva, akaverenga muna Jakobo 1:5 mubhaibheri. Maiti kana tichida ungwaru, tinokwanisa kubvunza Mwari. Joseph akasarudza kuita izvozvo.

Joseph Smith achipinda muchisango

Pamangwanani ezuva rechirimo, Joseph akaenda muchisango kunonamata kuna Baba Vokudenga.

Joseph Smith achinamata

Joseph akapfugama uye akatanga kunamata. Asi zvino akanzwa rima raiva ramukomberedza. Joseph akatya. Akakumbira Mwari rubatsiro.

Baba Vokudenga naJesu Kristu vachizviratidza kuna Joseph Smith.

Pakarepo, Joseph akaona chiedza chakajeka chichidzika pasi kubva kudenga. Akaona Baba Vokudenga naJesu Kristu vakamira mumhepo. Baba Vokudenga vakataura zita raJoseph. Zvino Vakanongedzera kuna Jesu Kristu uye vakati: “Uyu Mwanakomana Wangu Wandinoda. Munzwe!”

Jesu Kristu

Jesu akataurira Joseph kuti asapinda ipi zvayo yechechi dzacho.

Joseph Smith akapfugama uye achitarisa mudenga

Joseph aizobatsira kudzorera kuzara kwevhangeri panyika.

Joseph Smith achinyemwerera uye achibuda muchisango

Joseph aiva asisina kuvhiringika. Aiva azadzwa nemufaro! Aiziva kuti Mwari vaimuda. Vamwe vanhu havana kutenda kuti akanga aona Baba Vokudenga naJesu Kristu, asi iye aiziva kuti chaiva chokwadi.

Peji Yekuisa Ruvara

Baba Vokudenga Vanonzwa uye Vanopindura Minamato Yangu.

Peji Yekuisa Ruvara yeChiratidzo Chokutanga

Mufananidzo naCorey Egbert

Baba Vokudenga vakapindura munamato waJoseph Smith. Vanozopindura munamato wakowo!