“Chiratidzo Chokutanga,” Friend (Shamwari), Ndira 2025, 26–28.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Ndira 2025
Chiratidzo Chokutanga
Unokwanisa kuverenga nyaya iyi muJoseph Smith—Nhoroondo 1:1–20.
Apo Joseph Smith paaiva achiri mudiki, machechi mazhinji aidzidzisa zvinhu zvakasiyana-siyana pamusoro paJesu Kristu. Joseph aiva asingazivi kuti opinda chechi ipi
Rimwe zuva, akaverenga muna Jakobo 1:5 mubhaibheri. Maiti kana tichida ungwaru, tinokwanisa kubvunza Mwari. Joseph akasarudza kuita izvozvo.
Pamangwanani ezuva rechirimo, Joseph akaenda muchisango kunonamata kuna Baba Vokudenga.
Joseph akapfugama uye akatanga kunamata. Asi zvino akanzwa rima raiva ramukomberedza. Joseph akatya. Akakumbira Mwari rubatsiro.
Pakarepo, Joseph akaona chiedza chakajeka chichidzika pasi kubva kudenga. Akaona Baba Vokudenga naJesu Kristu vakamira mumhepo. Baba Vokudenga vakataura zita raJoseph. Zvino Vakanongedzera kuna Jesu Kristu uye vakati: “Uyu Mwanakomana Wangu Wandinoda. Munzwe!”
Jesu akataurira Joseph kuti asapinda ipi zvayo yechechi dzacho.
Joseph aizobatsira kudzorera kuzara kwevhangeri panyika.
Joseph aiva asisina kuvhiringika. Aiva azadzwa nemufaro! Aiziva kuti Mwari vaimuda. Vamwe vanhu havana kutenda kuti akanga aona Baba Vokudenga naJesu Kristu, asi iye aiziva kuti chaiva chokwadi.
Peji Yekuisa Ruvara
Baba Vokudenga Vanonzwa uye Vanopindura Minamato Yangu.
Mufananidzo naCorey Egbert
Baba Vokudenga vakapindura munamato waJoseph Smith. Vanozopindura munamato wakowo!
© 2025 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, January 2025.. Shona. 19632 731