“Isaya Muporofita,” Friend [Shamwari], Zvita 2026, 46–47.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend [Shamwari], Zvita 2026
Isaya Muporofita
Rimwe zuva mutemberi, Ishe vakadaidza Isaya kuti ave muporofita. Isaya aida vanhu uye akavadzidzisa pamusoro pokuuya kwaJesu Kristu.
Isaya akadzidza kuti Jesu Kristu aizouya nerimwe zuva kuzoponesa vanhu Vake kubva kuzvivi. Asi havasi vose vaizoMuziva seMuponesi wavo. Isaya akasuwa nokuti aiziva kuti vanhu vazhinji vaisazotenda muna Jesu.
Isaya akaporofitawo nezve kuuya kweChipiri kwaJesu Kristu. Nerimwe zuva Anozodzoka uye ova Mambo wepasi rose. Anozozadzikisa chirongwa chaBaba Vake kuburikidza nekuunza tsitsi nerunyararo nariinhi nariinhi. Isaya akati vanhu vose vanozoziva kuti Jesu Kristu ndiye Muponesi wavo.
Peji Yokuisa Ruvara
Jesu Kristu Akazvarwa muBetrehema
Mifananidzo naAudrey Day. Unogona kukopewa kuitira kushandiswa kune zveChechi chete.
Unopemberera sei kuzvarwa kweMuponesi?
© 2026 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo muChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, December 2026. Shona. 20036 731