Shamwari
Rute naNaome
Gunyana 2026


“Rute naNaome,” Friend [Shamwari], Gunyana 2026, 46–48.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend [Shamwari], Gunyana 2026

Rute naNaome

Naome nemhuri yake

Mhuri yaNaome yaigara kuJuda. Vakanga vasina zvokudya zvakakwana nokuda kwenzara yaivako, saka vakatamira kuMoabi.

Naome, Rute, naOrpa vachinyaradzana

MuMoabi, murume waNaome akafa uye vanakomana vake vakachata navakadzi vainzi Orpa naRute. Vakachengeta Naome kwemakore gumi. Asi zvino varume vaOrpa naRute vakafa. Zvino madzimai aya akanga ava oga.

Rute achitungamirira mbongoro iyo Naome yaakakwira

Orpa akadzokera kumusha. Asi Rute aida kugara uye kuchengeta Naome. Rute naNaome vakanzwa kuti nyika yeJuda yakanga yava nezvirimwa zvakare, saka vakaenda ikoko.

Rute achiunganidza zviyo mumunda

Vakasvika panguva yokukohwa. Hama yaNaome Boazi aiva neminda. Akabvumira kuti Rute atore zviyo zvaiva zvasara mumunda kuti awane zvokudya. Raiva basa rakaoma.

Rute naBoazi vachitaura

Boazi airemekedza Rute nokuda kwokuti aishanda nesimba uye aiva akavimbika kuna Naome uye kuna Ishe.

Rute naBoazi

Rute akakumbira Boazi kuti achate naye. Boazi aiziva kuti Rute aiva mudzimai akavimbika uye ane hunhu hwakanaka. Akabvuma

Naome, Rute, Boazi, nemwana mucheche

Rute naBoazi vakachata uye vakaita mwana mukomana. Mushure memakore mazhinji, Jesu Kristu akazvarwa mumutsetse wemhuri iyi.

Peji Yokuisa Ruvara

Nokuda kwaJesu Kristu, Ndinokwanisa Kutendeuka uye Ndova Akachena

Peji yokuisa ruvara PDF yemukomana wechidiki achipa sakaramende kumusikana akagara pabhenji muchechi

Mifananidzo naAudrey Day. Unogona kukopewa kuitira kushandiswa kune zveChechi chete.

Chii chinokubatsira kurangarira kuita sarudzo dzakanaka?