Vose vanogamuchirwa. Shanyira chechi iri pedyo newe.
Mibvunzo Inowanzobvunzwa
Nhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira vaKristu here?
Hongu! Senhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, tinotenda kuti Jesu Christu ndiye Mwanakomana waMwari uye Muponesi weNyika. Anotida tose kupfuura zvatingakwanisa kufungidzira. Tinozviona sevateveri vaJesu vakazvipira. Apo zvimwe zvezvitendo zvedu pazvakasiyana nezvavamwe, tinotenda kuti kuburikidza noupenyu Hwake, hushumiri Hwake, kuzvipira Kwake, uye kumuka kuvakafa Kwake, Jesu Kristu anotiponesa kubva kuchivi, kutambura, nerufu.
Dzidza zvimwe zvakawanda pamusoro pezvitendozvedu.
Minamato yeChechi yakaita sei?
Nguva dzeminamato yeChechi dzinosiyana kubva ugungano neugungano. Zvisinei, unokwanisa kutarisira nechivimbo pamunamato mumwechete mukuru wevanhu vose, unoteverwa nemakirasi evana, vechidiki, uye vakuru.
Munamato wevanhu vose unodaidzwa kuti “musangano wesakaramende.” Musangano uyu unosanganisira dzimbo, minamato, uye mharidzo (kana kuti “nhaurwa”) dzinopuwa nenhengo dzakasiyana-siyana dzeungano vhiki yoga yoga. Asi chikamu chakanyanya kukosha chemusangano ndeapo patinotora sakaramende (iyo yakafanana nechirairo) kurangarira Muponesi.
Dzidza zvimwe zvakwanda pamusoro peminamato yeSvondo kana wana chechi iri pedyo newe.
Sei Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira iine matemberi?
KuVatendi vaMazuva Ekupedzisira,temberi yakasiyana nezvimwe zvivako zveChechi. Temberi inzvimbo iyo Vatendi vaMazuva Ekupedzisira yavanogamuchira rairo yakakosha pamusoro paMwari naJesu Kristu. Mutemberi, nhengo dzinoita zvibvumirano zvokusingaperi (kana kuti vimbiso) naMwari. Izvi zvinosanganisira vimbiso dzokuchengeta mirairo, kurarama vhangeri raJesu Kristu, kutendeka mumuchato, uye kubatsira kuriritirana kuburikidza nokugoverana zvatiinazvo.
Uyewo, nokuda kwokuti tinotenda kuti mhuri ndedzariinhi nariinhi, zhinji rebasa rinoitwa mukati mematemberi nderokuita kuti ukama hwemhuri hwuve hwakatonyanya kusimba. Michato mutemberi inoitwa kuitira kuti ive inogara nokusingaperi, kwete chete “kusvika rufu rwakuparadzanisai.” Vabereki nevana vanova mhuri dzokusingaperi mumatemberi. Madziteteguru anokwanisawo kugamuchira maropafadzo ose emutemberi kana mumwe munhu akaita zvisungo zvinoera muchinzvimbo chavo uye votambira chiito ichocho chokushandira. MaTemberi inzvimbo dzinoitwa mabasa akawanda zvikuru!
Bhuku raMormoni chii?
Bhuku raMormoni ibhuku rezvinyorwa zvitsvene zvakafemerwa izvo zvinodzidzisa pamusoro paMwari naJesu Kristu. Rinotibatsira kugamuchira nhungamiro youpenyu hwedu pachedu uye rinokwanisa kutibatsira kunzwa kuva pedyosa naJesu Kristu. Zita racho rinobva kupi? Mazana emakore apfuura, muporofita wekare ainzi Mormoni akaunganidza rondedzero yevanhu vake. Vakasangana nematambudziko mazhinji akafanana neatinosangana nawo. Uye sesu, vakawana simba apo pavatendeukira kuna Jesu Kristu. Wana chisumo kuBhuku raMormoni nevashumiri
Bhuku raMormoni rinomira padivi peBhaibheri sehumwe uchapupu hwaJesu Kristu nebasa rehumwari Rake seMuponesi neMununuri wenyika. Pamwechete, Bhaibheri neBhuku raMormoni anopa imwe nzwisiso yakawanda yerudo rukuru rwaMwari kwatiri tose uye anokwanisa kutibatsira kuswedera pedyosa naVo.
Dzidza zvimwe zvakawanda pamusoro pokuti Bhaibheri neBhuku raMormoni anoshanda pamwechete sei.
Tinotenda muBhaibheri here?
Hongu. Bhaibheri ishoko raMwari, bhuku rinoera rezvinyorwa zvitsvene, uye kutevera dzidziso dzaro kunounza rufaro kuupenyu hwedu. Pamwechete neBhaibheri, tinowanawo femero mune mamwe mabhuku ezvinyorwa zvitsvene anowanikwa chete muChechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira. Ose anoshanda pamwechete kutidzidzisa zvokwadi zvakakosha pamusoro paMwari naJesu Kristu.
Dzidza zvimwe zvakawanda pamusoro petendero yedu muBhaibheri.
Nzanga yeChitendero Yakanangisa Pfungwa pana Jesu Kristu
Wana nhau dzaiyezvino kubva kuChechi.
Zvinhu zvakanaka zviri kuitika nepanyika pose. Wana zviziviso zvaiyezvino pamusoro pemapurojekiti, zviitiko, mabasa orubatsiro munguva yenjodzi, nezvimwe zvakawanda zvinoitwa neChechi.